AFM Shona Hymn 41

1.ISHE ndinzwe nokufara
Ndinzwe netsitsi dzako
Dzaunopa vanhu vose
Ngadziuye pandiri, pandiri

2. Rega kundisiya, Baba,
Kana ndiri mutadzi,
Ndinokuipa pamoyo,
Asi uya pandiri, pandiri.

3. Uya pano, Muponisi!
Ngandichengetwe newe;
Kana uchindishevedza,
Ndichauya kwauri, kwauri

4.Mweya Mutsvene wa Mwari!
Rega Kundipfuura,
Ngandione ndiri bofu,
Taura izwi resimba, resimba.

5. Rudo rwako Mwari Baba,
Ropa raIshe wangu,
Nokuwadzana KwoMweya.
Kungavepo kwandiri, kwandiri.

Hymn Details

2 thoughts on “Hymn 41

  1. Shalom.
    Makanyora neshona irinyore kunzwisisa , uye inoimbika zvinoendeka. Ndirikuti kune shona yekuti kana ikanyorwa kana kutaurwa unotoda duramazwi kuti unzwisise zvirikuitika

    Apo pakanzi
    Huya pano Muponisi
    Ngandichengetwe newe vamwe vanoti ( Ndandishowedzwe newe), vamwe hatizonzwisisi. Saka makaita henyu basa rakaperera makagona. Unongonzwawo rwiyo ruchisika mumoyo iwe usina ma Lyrics saka thank you for posting. Love love love.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.