AFM Shona Hymn 13

1.FARAI vatendi mangwanana ano,
Muponisi wevanhu wazvarwa;
Chikudzai rudo rwakakomba:
Shoko radzakauya naro
Kuti Mwari waponwa nenyama.

2. Vafudzi vakambotaurirwa,
Vakanzwa izwi rengirozi huru,
Ndina mashoko akakomba
Kuna vanhu vose pane nyika;
Dama raMwari rakazadzika,
Jesu waponwa ndiye M’ponisi.

3.Ikadaro Ngirozi, pakarepo
Dzakaimbirana rwiyo rutsva;
Dzakakudza rudo rwaMwari,
Denga rakatinhira nokuimba.
Tsitsi dzasvika pano panyika.

4. Vafudzi vakambomhanya kwazvo,
Kundoona zvavakaitirwa;
Vakadzokera kuhwai dzavo,
Vachiri kukurumbidza Mwari,
Vakaparidza zvavakaona,
Vanyai vokutanga vaMwari.

5.Ngatirangarire tichifunga
Urwo rudo rukuru rwaMwari;
Titarise Mwana Mutsvene,
Achienda kuno muchinjikwa;
Nengoni dzake timutevere
Tidarike tisvike kudenga.

6. Kuti tisangane nengirose
Taponiswa tichifara kwazvo;
Ndiye waponwa nezuro kwazvo;
Anozotionesa upenyu;
Takaponiswa norudo rwake
Tinokudza Mambo wokudenga.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.