Methodist Shona Hymn 49

Ndiudzewo rungano
Rwakabvirwa kare
RwaJesu wokubwinya
Nezvo rudo rwake.
Nyatso kundidudzira
Sokumudukwana;
Nokuti ndakaneta
Ndakarukutika.

   Ndiudzezve rungano,
   RwaJesu worudo.


Taura zvishomanana,
Ndigorunzwisisa
Ruponiso rwapiwa
Kuvatadzi seni.
Pamhidza undiudze,
Ndisakanganwezve
Sedova rinopera
Nokukurumidza.

Taura zvinyoronyoro
Nokugwinyisisa;
Yeuka, ndiri m’tadzi
Ndavingwa naJesu.
Ndiudze nguva dzose
Kana uchizove
Munyaradzi panguva
Dzamadzudzo angu.

Taura rwakarerwo zve
Kana uri kutya
Kuti zvenyika ino,
zvondirasikisa.
Kana zvedenga iro
zvondivhenekera,
Ndiudzezve rungano
RwaJesu M’ ponisi.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.