Methodist Shona Hymn 50

Chiriko chikomo kure
Kunze kwoyo musha,
Paakaroverwa Ishe,
Paakatifira.

Hatizive isu vanhu
Kurwadza kwakadii;
Wakarembedzwa pamuti
Nokutadza kwedu.

Zvino takaregererwa
Nako kufa kwake,
Kuti tiende kudenga,
Taponiswa naye.

Pakanga pasina mumwe
Wokutinunura;
Ndiye wakava nesimba
Kutipinza denga.

Jesu wakatida isu,
Ngatimudisewo,
Tivimbe neropa rake,
Tichimushandira.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.