Methodist Shona Hymn 47

Ndiudze nhau dzaJesu,
Ndinodzida,
zvinhu zvandingamubvunze
Dai aripo;
Mifananidzo,
zvishamiso,
Nhau dzaJesu
Ndinodzida.

Chindiudza nezvavana
Vakamunzwa,
Nemi ndichakomborerwa
Pamwe navo;
Mazwi etsitsi
Namabasa,
Akaitiwa,
NaJesu She.

Tsanangura nezveshiri
Namaruva
Kuti zvinotaura sei
Kuna vanhu;
Ndoda kudzidza
Kuna Jesu
Rudo rwababa
Kuna vana.

Ndiudze nechishamiso
Chakaitwa
Muchampupuri chikuru
PaGariri;
Dutu remhepo
Rakamuka
Rikanyaradzwa
Nezwi raShe.

Nganditevere navana
Muguta’ ro,
Ndichipembera zvikuru
Kuna Jesu,
Ndishowerere,
Nokuimba
Ndichimukudza
Jesu Ishe.

Ndiudze zvakaitika
Mumunda’mo,
zvokurwadziwa nokufa
KwaShe wangu.
Ndiudze zvose,
Ndoda kunzwa
Nhau dzaJesu
Ndinodzida.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.