Makasika zvose zvinhu Lyrics – Methodist Shona Hymn 8

Makasika zvose zvinhu,
Imi Mwari moga;
Pasina wakuyamurai
Kuzviita kwenyu.

Aya makomo amire
Akasikwa nemi;
Akamira akasimba
Nokutsigwa nemi.

Nayo mvura yatinonwa
Takapiwa nemi;
Nako kudya kwatinodya
Takapiwa nemi.

Makasika vanhu imi
Nokufana nemi:
Mukavapa zvinhu zvose
zvikavakodzera.

Nhasi vose vanotenda
Nezvi zvipo zvenyu;
Tipei mwoyo inokudai
Sokutida kwenyu

Hymn Details

One thought on “Makasika zvose zvinhu Lyrics – Methodist Shona Hymn 8

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *