Hosana wokudenga,
Ndotmba nezwi rangu
Kumwana waDavidi
Wauya kwandiri.
Hosana, ndiyamure
Pakurema kwangu;
Wauya asadanwa,
Muponesi wangu.
Ndoshonga dzakadini,
Azondishanyira?
Mugadzirire iwe
Mwoyo wako wose.
Ndoupira kwamuri,
Mununuri wangu,
Upfugame kwamuri
Chokwadi, She wangu.
Ndasunungurwa nemi
Mudorongo rangu:
Rikadimurwa nemi
Iro joti rangu:
Rakandirasikisa,
Ndasiya upenyu,
Makandifarisazve
Pakuchema kwangu.