Jerusarema musha wangu
Musha wakanaka
Kana ndapedza mabasa
Ndinoenda kwauri
Ndichauona, rinhiko,
Uyo musha wangu?
Une dzimba dzakanaka,
Nokudya kutsvene
Hapasisina kuipa,
Hapana nenhamu
Ndinoramba ndichienda
Kumusha mutsvene.
Ngingatye here kurwadza?
Ngingatize kufa?
Kwete, ndinenda Kenani,
Nyika yandinoda.
Vaprofita, vapostori,
Vakafira Jesu,
Varipo pamwe naKristu,
Neni ndichaenda.
Jerusarema musha wangu,
Wandinotsvakisa!
Kana ndasvika kwauri,
Ndichafara kwazvo.