Mwoyo yenyu ngairege kuchemera vana
Mwari anodisa vana nekuvachengeta
Mwoyo yenyu ngairege kungochema chema,
Vana vese ndevaMwari, vese vanomuda.
Mwoyo yenyu ngairege kungochema chema,
Mwari anomupa vana, ndiye anotora.
Zvino munacherechedza uyu mwana wafa,
Iye watotungamira kuna Baba wedu.
Mwoyo yenyu ngairege kuchemera mwana;
Muchaenda kuna iye, kuti muchitenda.