Baba wedu Samasimba
Taungana pano nhasi
Tiri kuda kupangana
Nemabasa enyu nhasi
Isu vachengeti vawo
Tinomukumbira zano
Rekutitungamirira,
Komborerai basa renyu
Nekurisimbisa kwazvo,
Tiritore kune vanhu.
Mwoyo yedu tazarura
Kudzidziswa nemi, Baba,
Kuti basa redu rese
Rive rakanaka kwazvo,
Nekufadza imi, Baba.
Hatina zano, Baba,
Rekuzvinakisa tega,
Tinomukumbira, Baba,
Tipeiwo nzero dzenyu
Dzekuita basa renyu
Tisakanganweba nhasi
Kutondera nguva dzese,
Kuti tiri hama dzimwe chete
Tina Baba mumwe chete
NaM'ponesi umwe chete.