United Methodist Shona Hymn 276

Tinotenda imi Baba
Neukama hwedu nemi
Tinomupawo zvitendo
Nero basa makatipa

CHORUS
Asi isu Baba wedu
Ngatikomborerwe nemi
Tinomupawo zvitendo
Nero basa makatipa

Tinomukumbira kuti
Tive vabatsiri venyu,
Kusimudza vanhu vedu
Nekunyararidza vese.

Kuti tine mweya wenyu
Tingaita basa renyu,
Ndizvo tinomukumbira,
Chitishandisayi, Baba.

Zvino takagadzirirwa
Kutsvakisa varasiki,
Tine nyasha nevatadzi,
Tinodisa kubatsira.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.