United Methodist Shona Hymn 172

Ndinoshama misi yese
Ne'rwo rudo rwaJehova
Zvotanga tiri kunga hwai
Dzakarasa gwara

CHORUS
Wandida wandida wandida zvirokwazvo
Zvoakafira pam'chinjiko kuponesa ini

Ndinoshama nezvirwadzo zvake,
Kristu pam'chinjiko,
Nemazwi ake akanaka
Kune mhandu dzake.

Ndinoshamazve nekuti Kristu
Wakafira mhosva,
Dzainga dzisi mhosva dzake,
Asi dzedu vanhu.

Ndinoshamazve neruponeso
Rwakaitwa naye,
Zvitadzo zvangu ndakabvuma,
Ndikasunungurwa.

Ndinoshama kuti Muponesi
Wakafira ini,
Nekuti handifaniriba
Kuponeswa naye.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.