Ndinouya nemasoko erudo
Masoko akakomba edi
Kuti Baba wakatida zvikuru
Anofara kuponesa tese
CHORUS:
Munangisei hama dzangu
Muna Muponesi zvino
Uyo anotenda iye apone
Munangisei hama dzangu mese
Ndinouya nemashoko kunemi
Mashoko akanaka enyu,
Kuti Kristu, wakafira vatadzi,
Munangise anomuponesa.
Jesu Kristu wakandisunungura,
Upenyu hwake akandipa,
Ndakatenda izwi rake mumwoyo,
Mweya wangu wakapona ndiye.
Nhasi, kuti uchimunangisa
Mumwoyo nekufunga kwese,
Uchiuya kuna iye nerudo,
Jesu Kristu anokuponesa.
Kuti uchiramba Jesu M'ponesi
Nerudo rwake rwakadai,
Ungapone seyi musi mukuru,
Musi anotonga vanhu vese?