Uyai hama vadikani
Pindukai kuna Jesu
Ndiye anomumirira
Ane tsitsi kune vese
CHORUS:
Ane simba ane simba
Kuponesa vanyangadzi
Ane simba ane simba
Kuponesa vanyangadzi
Huyai, imi munoshaya,
Jesu ane pfuma zhinji,
Anodisa kupfumisa
Vese avo vanoshaya.
Huyai, hama, torai zvino
Ruponeso rwakanaka,
Kuti muchigara nhasi,
Zvimwe hamuchazouyi.
Musafunge muri kwavo,
Huyai zvino makadaro,
Siyai zvinhu zvenyu zvese,
Jesu anomutambira.
Kuti muchiita izvi
Hamuzovi neurombo;
Denga rese rinorira
Nekufara kwevatsvene.