United Methodist Shona Hymn 117

Uya kuneni mwana washaisha
Ndinokunyararidza nguva dzese
Watambudzika neurombo kwazvo
Uya kuneni ndinokufarisa

Imba izhinji kune denga iko.
Dzagadzirirwa vanhu vakanaka,
Wakafanira kugadzira kuenda,
Huya kuneni, ndinokubatsira.

Vanhu vazhinji variko kudenga,
Vakacheneswa, vakabarwa patsva,
Asi vatsvene vanopinda chete,
Huya kuneni, ndinokuchenesa.

Imba kumusoro dzakanaka kwazvo,
Hakuna rufo neurombo, kwete,
Huya kuneni, uchagara neni,
Uve naBaba nekusingaperi.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.