United Methodist Shona Hymn 116

Uyai mese mune nyota
Mumoyo yenyu mururame
Mwari anopa zvinhu zvese
Torayi zvino ruponeso

Vatendi, muri kudaidzwa,
Huyayi kuna Baba wenyu,
Mupi wemvura inopona,
Murege kuzotadza zveba.

Huyayi makasununguka,
Mutore henyu hamutengi,
Torai nyamusi ruponeso,
Musatye, anomuda mese.

Huyayi tizogara nhaka
YaBaba wedu wekudenga,
Baba wevese ane zvese
Zve kukovera vanomuda,

Jehova wedu wakanaka,
Hakuna mumwe wakadaro;
Ngatimutende, timukudze,
Nekuti tinotongwa ndiye

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.