Mweya mutsvene idi
Uya penya mandiri
Kupenya kwemukati
Kundionesa ini
Mweya Mutsvene, Rudo
Dziisai mwoyo wangu,
Muzadzwe pfungwa tsvene,
Kuzvida kwangu kufe.
Mweya M'tsvene, Mutongi,
Tonga hana muneni,
Kana mave She wangu,
Ndosununguka zvangu
Mweya M'tsvene, Rugare
Mwoyo wangu ngaunyaradzwe;
Ngaugarike kwazvo;
Murudzikamo rwako.
Mweya M'tsvene, Rufaro,
Fadzisa wangu moyo
Mugwenga ngandiimbe,
Rufaro ruve tsime