United Methodist Shona Hymn 106

Uyai mweya mutsvene
Nesimba renyu guru
Musununguri wezvitema
Kutya neurombo
Uyai muzvipise
Zvinokuvadza mweya
Mudyare mbeu dzenyu,
Mweya dzinondishingisa

Ngandive ndinofamba
Munzira yenyu kwayo,
Mundiratidze kuda kwenyu
Kuti ndikuite;
O nditungamirireyi
Miswere yese yese,
Hupenyu hwangu kune vamwe
Huve chiratidzo.

Ivayi mbowo, Baba,
Mundionese kuti
Muzvinhu izvo ndinoita
Ndichimufadzisa;
Mundipe izvi zvinhu
Ndamukumbira, Baba.
Kudzamara ndiuyevo
Kune musha wenyu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.