Uyai mweya wakachena
Uyai kwangu nhasi imi
Mune tsitsi dzakawanda
Ndipei mweya wenyu imi
Ndidzidzisei rwiyo rwumwe
Rwiyo rwengirozi dzenyu
Ndinofara ndaponeswa
Ndizvo ndinomuimbira
Nerubatsiro rwaMwari
Ndaapano zvino nhasi,
Kuti ndichifadza imi,
Ndingasvika iro denga;
Jesu wakanditsvakisa
Handisakambomuziva
Akapira ropa rake
Kuti ndive nehupenyu.
Nyasha dzenyu ndogashira
Misi yese yehupenyu,
Mwoyo wangu wakaneta,
Unodisa kuponeswa;
Unonyanya kutizira
Kune uyo ane nyatwa;
Torai mwoyo wangu, Baba,
Muuite wakanaka