Wakafa muponesi wangu
Muchengeti kwaye
Nekuda ini mushaishi
Kuti ndiponeswe
CHORUS:
Chindiwonai Muponesi
Ndiwe anotendwa
Pamusi anotonga vese
Muzonditorera
Wakafa nekuipa kwangu
Uko ndakaita,
Hakuna nyasha dzakadaro
Pasi pano pese.
Nekuti muchinjiko wake
Unojeka kwazvo,
Ndizvozvo ndinosvisa usu
Nekunyara kwangu.
Tinonzwa kuti iyo nguva
Zuva rakadzima,
Nekuti Kristu wakafira
Vanhu vese pasi.
Misodzi yangu haikwani
Kuwonesa rudo,
Ndomupa Tenzi mweya wangu
Nemuviri zvese.