Kupinda kwaJesu mumusha
Kwakanaka kwazvo
Mudungwe mukuru kukudza
Jesu Mambo wedu
CHORUS:
Hozana Hozana Hozana,
Kuna Jesu Kristu
Hozana Hozana Hozana
Kuna Mambo wedu
Kufara kwevese kukuru,
Vakamuwarira,
Nhavani dzemiti michindwi
Vakadzifunhira.
Zvipfeko zvizhinji zvevanhu
Zvakawarwa pasi
Kumuwirikidza* Mesiya
Nekumuimbira.
Zvakawarwa pasi
Kumuwirikidza* Mesiya
Nekumuimbira.