United Methodist Shona Hymn 71

Kana ndawona muchinjiko
Paakafa Jesu Kristu
Zvose zvangu ndazvizvidza
Nokuzvidzora ndega

Ndirambidzei kuzvikudza
Kunze kwekufa kwa 'She
Zvose zvinondinyangadza
Zvibviswe neropa renyu

Ona maropa anobva
Musoro, diti, mawoko
Hakuna rudo rumweba
Neurombo hwakadaro

Dai zvinhu zvose zvangu
Ne izvi hazvidzokere;
Rudo urwu rwakadai,
Runodisa ndizvipire.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.