United Methodist Shona Hymn 13

Baba wedu tinoimba
Mwakasika denga
Zviro zvese zviri pasi
Zvakasikwa ndimwi
Zviro zvese zviri pasi
Zvakasikwa ndimwi

Imwi mune nyasha huru
Mwakatipa Jesu
Kuti atisunungure
Pane zvakaipa
Kuti atisunungure
Pane zvakaipa

Mwari muri zvirokwazvo
Mwakakunda mhandu
Ngavaimbe kune imwi
Vanhu vari pasi
Ngavaimbe kune imwi
Vanhu vari pasi

Ingirosi dzinoimba
Rukudziso rwenyu
Nesu tinomuimbira
Ndwiyo nguva dzese
Nesu tinomuimbira
Ndwiyo nguva dzese

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.