Baba zvino tinokudza
Imwi neumambo hwenyu
Muri buwe remakore
Munogara nekugara
Ruponeso rwenyu Baba
Runogara rwakadaro
Vanhu venyu vese Baba
Vanogara nemasimba
Wonai ruponeso rwenyu
Runofanza ngekukasa
Rune zvese zvakanaka
Nechitsidzo cheupenyu
Hatichazotambudziki
Hatichazoshayi chiro
Tina Mwari wakanaka
Muchengeti Mumiriri
Tinokomborerwa ndiye
Masikati neusiku
Nguva dzese ari patyo
Kuwonesa nzira yedi
Nhasi tiinomukumbira
Mazwi akanaka kwazvo
Tinomupa rukudziso
Uyo ane simba rese