Wakanaka uyo musi
Wandakatenda kunaShe
Mwoyo wangu fara zvako
Ndinoudza vanhu vese
CHORUS:
Wanaka wanaka musi wandatenda Ishe
Jesu wakandidzidzisa
Kurinda nekunamata
Wanaka wanaka musi wandatenda Ishe
Chitenderano chitsvene
Chinondisunga kuna She
Ngaizadzwe imba yake
Nenziyo dzandinoimba
Basa guru rakapera
Ndiri wake ariwangu
Ndinofara kumubvuma
Ndikamutevera Jesu
Mwoyo wangu uzorore
Neichi chitenderano
Rega kubva kuna Ishe
Kwaari zvose zviriko