Vanhu vese vakanaka vanotaura idi
Usanyepa kwete, kwete taura zvirokwazvo
CHORUS:
Taurai zveidi taurai zveidi
Idi rakanaka
Mwari anodisa kwazvo vanotaura idi,
Anoziva vana vake vanodisa idi.
Anania naSafira vakanyepa kare,
Vakazofa pekarepo nekunyepa kwavo.
Ngatitaure zvirokwazvo, tisanyepe, kwete,
Ngatiite vanhu kwavo kutaura idi.