United Methodist Shona Hymn 338

Vamai vakauya nevana kunaJesu
Vachida kuti vana vavo vazokomborerwe
Vadzidzi vakavarambidza
Vakarambidza kuti
"Musauya pano nevana kwaTenzi."

M'ponesi wevese haasakafadzwa ndizvo,
Wakati kune vataveri nechisepe chake,
"Musazodzivisa vadzimai,
Ndinodisa vana vese,
Ngavauye pano vapwere kuneni."

M'ponesi wakati, "Ndinoda vana vese,
Nekuti vakawanda iyo kune denga rangu;
Umambo hwangu hwekudenga
Nehwevakadaro vese,
Ngavauye pano vapwere kuneni."

Vapwere vazhinji vagere mune dima,
Vasikazivi Mwari wedi naM'ponesi wavo,
Tofara kutumira ivo
Shoko raM'ponesi wedu,
"Ngavauye pano vapwere kuneni."

Tofara zvikuru kuwona vana vese,
Vapiwa kuna Baba wedu naM'ponesi wavo,
Ndizvozvo ngativawombeke,
Nekuvapavo mazita,
"Ngavauye pano vapwere kuneni."

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.