Uyai tiimbe nyamusi
Nerudo rukuru rwaMwari
Tifare zvikurukuru
Nekuti wazotiponesa
CHORUS
Vatendi vaMwari
Vagoni vogara zvakanaka
Nekuti M'ponesi anavo
NeM'tsvene waMwari
Takabva mudaka rekare,
Togara nyamusi padombo,
Torega ubenzi hwezuro,
Todzidza ungwaru hwenhasi
Ndizvozvo hatina urombo
Seavo vasina M'ponesi,
Nekuti havana masimba,
Togona kukunda Satani
Vatendi, tinoda runako,
Hatidi kuzoparadzana,
Hatidi kugara pachedu,
Tisina rudo nevamwe.
Tinoda marudzi epasi
Kudanana nekuwadzana,
Kurega kuzorwa narini,
Kuita sevana vaMwari.