Uyai imi mese munodisa Tenzi
Tinoimba rwiyo rwake
Nekumira padyo
Pechigaro chake
CHORUS
Toenda kumusha
Musha waMwari kudenga
Tinoenda kuZioni
Kwakanakisa kwaMwari
Tese tinoimba tinoziva Mwari
Tiri vana vekudenga,
Tiri vana vekudenga,
Totaura idi, totaura idi
Tinofara pano nezvake zvaMwari
Tisati tasvika pano,
Tisati tasvika pano,
Musha weZion, musha weZion
Ngatiimbe kwazvo, tinorega kutya,
Totevera Immanuel,
Totevera Immanuel,
Kunyika kudenga, kunyika kudenga