Upenyu hwangu nemasimba
Ndinozvipa kuna Jesu
Kuti ndiwe munhu wenyu
Nekusingaperi
CHORUS:
Ndomugarira Muponesi
Ndinofara misi yese
Ndinomusandira Tenzi
Nekusingaperi
Kunemi, Muponesi wangu
Ndinomupa rudo rwangu,
Kuva mutendeki wenyu,
Mutumiki wenyu.
Chitsidzo chenyu chakanaka,
Ndinotenda zvino pano,
Kuti munonditambira
Navo vanotenda.
M'ponesi, imi makafira
Kuponesa mweya wangu,
Ndakanatsa kuzivisa,
Muri Mwari wedi.