Tanzwa rwiyo rwengirozi
Mbiri huru kuna Jesu
Runyararo pasi pano
Rudo kune vanhu vese
Farirayi ndudzi dzese
Ruponeso rwazosvika
Ngatiimbe rwiyo rwedu
Mbiri kuna Mambo Jesu
Ngatiimbe rwiyo rwedu
"Mbiri kuna Mambo Jesu!"
Wazobarwa mune danga,
Beterehema musha wake,
Mai wake ndiMaria,
Mwari ndiye Baba wake;
Womberayi, imi vanhu,
Mwari wakatuma mwana,
Kuzodzika pasi pano
Kuponesa vanotadza,
Mukudzeyi muchiimba,
"Mbiri kuna Mambo wedu!"
Jesu, Tenzi, Muponesi,
Mununuri, Mudikani,
Tinomuda zvirokwazvo,
Nero basa rakanaka;
Tinoita mwoyo chena,
Tese tinomushandira,
Tinofara nekufara,
Wazvarirwa isu Kristu,
Mukudzeyi, muchiimba
"Mbiri kuna Mambo wedu!"
Nhasi tinofarisana,
Tinokarakadza naye,
Wazobarwa kuponesa
Vanhu vese pasi pano;
Farirayi ndudzi dzese,
Mukudzeyi vanhu mese,
Pururudzai madzimai,
Mambo wedu, Mambo kwaye,
Mukudzeyi, muchiimba
"Mbiri kuna Mambo wedu!"