United Methodist Shona Hymn 191

Rudo chinhu chakanaka
Runotenda zviro zvese
Runodisa vanhu vese
Runopinda zviro zvese

Rudo harutadzi irwo,
Haruchazoperi, kwete,
Rudo haruchazoneti,
Baba wedu ndiye Rudo.

Rudo runotungamira
Kune nzira yakanaka,
Runoita zviro zvese
Kuti zvive nyore izvo.

Rudo rune tsitsi huru
Kune vanorwara vese,
Runoita zvakanaka
Kune vakaipa vese.

Rudo rwakakomba kwazvo,
Rwakasvika pasi pano,
Rwakatipa ruponeso,
Runosvika nyika dzese.

Ngatiteerere Mwari,
Ndiye wakatida kwazvo,
Ngatimude zvirokwazvo,
Ndizvo tinogara naye.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.