United Methodist Shona Hymn 30

Pasi pese nematenga
Zvakasikwa ndiJehova
Anoda kuti vana vose
Tive vanofara
Ndichiri pasi pano
Ndinofara zvirokwazvo
Kuona zvose zvakasikwa
Ndi'She samasimba

Pasi pese nematenga
Zvakasikwa naJehova
Neshiri dzose dzinoimba
Zvishamiso zvake.
Ndichiri pasi pano
Ndinofara zvirokwazvo
Kuona zvose zvakasikwa
Na'She samasimba.

Pasi pese nematenga
Zvakasikwa naJehova.
Ini handichazomukangwanwi
Muchengeti wangu,
Ndichiri pasi pano
Ndinofara zvirokwazvo;
Jehova akasika vanhu
Na'She wekudenga.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.