Panyika dziri kure
Kuchando zvirokwazvo
Nenyika dziri padyo
Kupisa basi basi
Panyika dzemakomo
Nedzimwe dzemikana
Vanoti "Uyai hama
Tinoda Mwari wenyu."
Jehova wakanaka
Kudisa vanhu vese,
Anopa mvura yavo
Nezuva nezvekudya,
Nezvisimiro zvavo
Nenyama pamakomo
Vapiwa izvi zvese;
Havamutendi, Mwari.
Makristu, tiri pano,
Taziva ruponeso,
Tonyima ivo here,
Upenyu hwedu hutsva?
Mashoko akanaka,
Ngaatumwe kune vese
Dakara vanhu vese
Vazive Mwari wedi.
Mabasa edu tese
Kugara zvakanaka
Nekubatsira avo
Vasikazivi Mwari,
Dakara Jesu Kristu
Adzikezve panyika,
Kutonga vanhu vese,
Kuita Mambo wedu.