O Mwari muri zuva rangu
Munodziisa mwoyo yese
Munonakisa vanhu venyu
Munokurisa mweya yavo
Takafanira kumukudza
Nekutisika makaita
Mukakohomedzesa kuti,
"Mokomborerwa zvirokwazvo."
Kunemi dima hakuchina,
Kune kupenya chete, Baba,
Isu toganza nemi chete,
Kutiponesa misi yese.
Wonai varombo kwese kwese,
Ngavapfumiswe nemi, Baba,
Ne vanorwara ngavarapwe
Ne mwoyo yese inoneta.
Ivai Jehova wangu, Baba
Fambai panzira dzangu dzese,
Nepausiku garai neni
Kuti ndisatye kufa kwangu.