Ngatifambe tese paupenyu hwedu
Tinotungamirwa nem'chinjiko wake
Kristu Tenzi wedu anoenda nesu
Fambai kune hondo fambai imi mose
CHORUS
Fambai mese fambai, ngatifambe pamwe
Tinotungamirwa nem'chinjiko wake
Toenda sehondo, Chechi tsvene yedu,
Inofamba shure kwevatsvene iyo;
Hatipandaniswi, tiri pamwe tese,
Tine rudo rumwe nerutendo rumwe.
Vanhu vachazofa nevamambo vese,
Asi Chechi yedu inokura kwazvo;
Inofanza kure kune nyika dzese,
Tinevo chitsidzo, hachitadzi kwete.
Ndizvozvo fambayi, vanhu kwavo vese,
Ngatiimbe rwiyo rwerukundo rwedu,
Mbiri nerukundo kuna Jesu Kristu,
Ndiye Mambo wedu, ndiye Mwari wedi.