Neni handikurasi nekuti wapinduka
Kuipa kwasukiwa chienda nerufaro
CHORUS
Neni handikurasi chienda upembere
Imba ukudze enda usazotadzezveba
Neni handikurasi, nekuti wadaira,
Hakuna kuraswaba kweavo vanondida.
Neni handikurasi, ndakabva kuna Baba,
Nepamusana pako, nekuti anokuda.
Neni handikurasi, chikudza Baba wako
NeMurumbwana wake neMweya wakachena.