United Methodist Shona Hymn 87

Nekumuka Kwake
Kristu wakurira
Pasi raponiswa
Ndiye Mambo wedu
Hondo dzengirozi
Dzirikufarira
Dzamuwirikidza
Dzayimba Haleluya

Uyo wakazvipa
Kare pam'chinjiko,
Ndiye Paska yedu
Nyenye yakachena
Wakafira isu,
Zvino ane mbiri
Tese tinofara,
Tiimbe Haleluya.

Uyo wakafira
Isu vanhu wake,
Zvino Muponesi
Ane simba rese;
Mambo wevamambo,
Anotonga vese
Ngatimukudze
Tiimbe Haleluya.

Ndiye wadzorera
Varasiki vese,
Vanyangadzi ndiye
Vangasunungurwe;
Paska yedu iwe
Tichenure tese,
Tikukudze Kristu
Tiimbe Haleluya.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.