Mweya wangu nangisisa
Zvinhu zvekum'soro
Zvinhu zvese zviri pasi
Zvichatsakatika
Zuva mwedzi zvichapera
Pasi pese pachapiswa
Zvinogadzirira kuenda
Kune musha wangu
Nzizi dzinotsvaka nyanza,
Hadzichazomiri,
Moto unokwira denga
Kune zuva iyo;
Ndizvo mwoyo yakanaka
Inodisa Baba wayo,
Inodisa kumuwona
Nekugara naye.
Ndizvo chinyarara zvako,
Usatambudzike,
Chisimuka, famba zvako;
Pane rwendo rwako;
Uchawona Mambo Jesu,
Achiuya mumakore
Kuzotora vese avo
Vaimuda pano.
Rasa zvese zvinhu zvako
Zvinokunyengedza,
Zvinokupfuwira pasi,
Zvinokushatisa;
Ida zvinhu zvekudenga,
Izvo zviri zvakanaka,
Gadzirira kuenda iko
Kune denga dzene.