Mwari wakati handikunganwi
Ndinokunangisa nguva dzese dzese
Ndinokuziva uri mwana wangu
Ndinokuchengeta nekutungamira
CHORUS:
Handikunganwi mwana wangu
Ndinokuchengeta ndinokunangisa
Handikunganwi kwete kwete
Ndiri Baba vako uri mwana wangu
Ndinoshamiswa chitsidzo chaMwari,
Asi ndinotenda mazwi ake ese,
Kuti ndavengwa pamsana paJesu,
Ndinocherechedzwa naM'ponesi wangu.
Kuti ndasvika denga dzvene iko
Dambudziko rangu rese razopera,
Ndinomukudza uyo wakandida,
Ndinomuimbira nekusingaperi.