United Methodist Shona Hymn 252

Mwari baba mune nyasha huru
Touya kobatsirwa
Munondodurura simba guru
Pane chechi yenyu
Tipei ungwaru nerushingo
Isu wemuchechi nhasi
Kushandira imi

Hondo zhinji pano dzekuipa
Dzinoshora imi,
Asi isu vanhu tiri kutya
Kurwa nadzo mhandu.
Tipei ungwaru nerushingo
Kuti tizokana nadzo
Mhandu dzeumambo.

Vanhu vamwe vanotsvaka chete
Zviro zvemunyika,
Havatsvaki zviro zvemumweya,
Izvo zvinokosha.
Tipei ungwaru nerushingo
Kusarurazve umambo,
Izvo zvakanaka.

Toda kushandira imi, Baba,
Nekuudza vamwe
Kuti vazoziva Jesu Kristu
Nekumutevera.
Tipei ungwaru nerushingo
Kuti tizomushandira
Navo vanomuda.

Tizoramba tichitsvaka, Baba,
Ruponeso rwenyu,
Tisazopfuvirwe mumashure,
Mutibatsireyi.
Tipei ungwaru nerushingo
Kushandira imi, Baba,
Nekusingaperi.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.