United Methodist Shona Hymn 122

Munoziva here hama kuti Jesu wakanaka
Wakasiya Baba wake kuponesa varasiki
Ane mwoyo wakatiwa ane nyasha kune vese
Anotsvaka vese avo vanoneta nezvitema

CHORUS:
Anomuda imi mese
Arikudaidza imi
Ari kumirira zvino
Uyai mupei mwoyo yenyu

Munoziva here kuti Jesu ndiye Mwari diko?
Wakapiwa simba rese, Baba wake wakamupa;
Ndizvo anotonga vese pakuguma kwe'ri pasi;
Musarege kumuziva, pindukayi zvinopano.

Hamuzivi here, hama, kuti Mwari anotida?
Anoziva zviro zvese izvo zvinotinakira;
Ngatirege zvakaipa, tibatise zvakanaka,
Ngatigare kuna Kristu, tinofadzwa zvirokwazvo.

Zvakanaka zvinogara, zvakaipa zvinozofa,
Vakanaka vanofara, vakaipa vanochema;
Huyai, kudzai Jesu Kristu, munokomborerwa ndiye.
Ngatiende isu tese, tindogara naye pamwe

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.