Mirayi vanhu vedu
Simudzayi muchinjiko
Kudzai Jesu Kristu
M'ponesi wakanaka
Mutungamiri wedu
Mukuru kune vese
Anokurira mhandu
Nezvese zvakaipa
Mirayi, vanhu vedu,
Inzwayi minanziyo,
Fambayi kune kurwa,
Nesimba rotapiwa;
Rukundo runouya
Kunesu zvirokwazvo,
Nekuti tina Mwari,
Mukuru Samasimba.
Mirayi, vanhu vedu,
Musimba rake basi,
Munyama munotadza,
Hamuna simba imi;
Pfekayi nhumbi dzake,
Tendayi kune Mweya,
Endayi kune pfumvu,
Musatye, imi vanhu.
Mirayi, vanhu vedu,
Mukane, nguva ipfupi;
Nyamusi kupopota,
Mangwana tinokuwa;
Mukundi achapiwa
Chiremba cheupenyu,
Anova semutongi,
Kusingachazoperi.