Jesu Tenzi ndiri bofu
Mune mwoyo wangu
Ndinodisa nyasha dzenyu
Kuti ndimuwone
Mwoyo wangu mukukutu,
Upfavisei, Tenzi,
Mundipewo mwoyo mutsva,
Mwoyo wakanaka.
Ngandizive imi, chete,
Mune simba rese,
Rekundipa mwoyo kwawo,
Kufanana nemi
Ndakabarwa mune dima
Nemukusaiziva,
Asi zvino ndinowona
Imi ruveneko.
Ndochitenda kuti zvino
Ndinofara nemi,
Garai neni nguva dzese
Kuti ndisatadze