Jesu mutitungamire
Mutifudze zvakanaka
Tipei kudya misi yese
Gadzirayi danga renyu
Jesu Tenzi Jesu Tenzi
Tiri venyu takatengwa
Tiri venyu, tibatsirei,
Muve Muchengeti wedu,
Chengetayi danga renyu,
Kuti tisazorasike;
Jesu Tenzi, Jesu Tenzi,
Muri Muchengti wedu.
Ngatitsvake tsitsi dzenyu,
Tichiita kuda kwenyu,
Ngatifambe misi yese,
Pane nzira yakanaka;
Jesu Tenzi, Jesu Tenzi,
Makatida, tinomuda.
Makatsidza kutambira
Wese wanokwenzerera;
Mune nyasha kuponesa.
Mune rudo kune vese;
Jesu Tenzi, Jesu Tenzi,
Tiwoneyi pasi pano.
Tinotsvaka zano renyu
Rekugara zvakanaka,
Tinodisa rudo rwenyu
Rwekuita vanhu kwavo;
Jesu Tenzi, Jesu Tenzi,
Muri wakanaka imi.