United Methodist Shona Hymn 41

Jehova ngaakudzwe ngevanhu vese kwese
Ngekuti wakanaka ngekuti anotida
Jehova anotonga kufamba kwenyeredzi
Nezvese zvekudenga ngekuti ane simba

Jehova anodisa zvisikwa zvese,
Anoda kuti vanhu vamude zvirokwazvo;
Jehova anodisa vatendi kwese kwese,
Nekuvakomborera muzvinhu zvakanaka.

Jehova haafare kuwona vanhu vake
Vagere mune rima, kupinda chiedza
Jehova ane mwoyo wetsitsi kune vese,
Haadi kuti umwe araswe kune rufo.

Ndizvozvo wakatuma M'ponesi pasi pano,
Kusunungura avo vanoda kupinduka;
Ndizvozvo ngatimude, tikudze zita rake,
Jehova Baba wedu, neMuchengeti wedu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.