Ipayi zvitendo kuna Tenzi
Ane nyasha dzinogara narini
Ipayi zvitendo kuna Mwari
Ane nyasha dzinogara narini
Ipanyi zvitendo kuna Tenzi wevatenzi
Ane nyasha dzinogara narini
Ndiye ega anoita zvishamiso zvikuru
Ane nyasha dzinogara narini
Uyo wakasika denga nezano
Ane nyasha dzinogara narini
Ndiye wakasika pasi nezvese zviripo
Ane nyasha dzinogara narini
Uyo wakaticherechedza
Ane nyasha dzinogara narini
Ndiye wasika zuva nemwedzi nenyeredzi
Ane nyasha dzinogara narini
Uyo wakaticherechedza
Ane nyasha dzinogara narini
Ipayi zvitendo kuna Mwari wedenga
Ane nyasha dzinogara narini. Amen