Apo ndinowona Jesu Kristu
Ari pam'chinjiko
Ndinoona mhosva dzangu dzese Ngandisunungurwe
Ndinoripa neyi rudo rwenyu,
Urwo makandida?
Ndinounza mwoyo wangu chete,
Ndicho chipo changu.
Kunyange ndikamupa zvinhu zvese,
Hazvikwani, kwete,
Ndizvo ndinouya ini pachangu
Pamakumbo enyu.
O Jesu, ndinozviradzika
Pasi mberi kwenyu,
Kushandira imi nguva dzese
Dzeupenyu hwangu.
Zvino handichadi mumwe, Tenzi,
Ndinomuda Kristu,
Ndizvo ndinoedza misi yese
Kushandira imi.
Nhasi ndinotora chidyo chenyu,
Chitondedzo changu,
Kuti zvino ndiri munhu wenyu,
Kwese ndinoenda.