Apo ndonzwa nenyaya yakanakisa
Izvo Jesu akange ari pasi
Wakadaidza vana vese sehwai dziri dzake
Ndinodisa kuvapo navo vese
Dai mawoko aJesu akandibata,
Dai Jesu akandigumbatira,
Nekuwona usu hwake, achiti kune vese,
Regai vana vauyewo kuneni.
Asi nhasi ndoenda kundonamata naye,
Kukumbirawo rudo nechisepe,
Kuti ndichimutsvakisa ndiri pasi pano zvino,
Ndinoziva'zvo ndichazomuwona.