Musi wakomborerwa, Jehova azorora
Wechinomwe wevhiki, Wasarudzwa Mutsvene
CHORUS
Tinofara, Tinofara
Tinofara nemusi, zororo raJehova
Mwari wakapedzisa, Basa rake kusika
Ndizvo wakayerisa, Musi wake Sabata
Vamwe vakapindura, Vanoda wekutanga
Kuti idi munoda, Tsvakayi mumatsamba
Vese vane’di voti, Vanhu vakapindura
Mubhuku hamunaba Kuti vakapindura
Ndizvozvo ndakatsvaka, Ndakavona Sabata
Ndakatevera Mwari, Kuchengeta’ro idi